Verse 1
Wauya Wauya Mucheki mukuru Vanhu vachaona Ishe wokudenga Vanogozomutswa vari kumakuva Kuti vavonekwe vose pakachena
Verse 2
Mucheki ndiJesu wakatambudzika Kuti vaponiswe norudo rwaBaba Avo vakamuda havachatongiswa Nokuti vamire naIshe wedenga
Verse 3
Zvinhu zvatinoona zvose zvichatsva Makomo mapako zvichanyongodeka Zuva richadzimwa, mwedzi uchapera Vakaipa vachashaiwa pokuvanda
Verse 4
Mucheki wosvika nehondo huru Hondo inouya yavanyai vedenga Nameso omucheki mukuru aone Zvinhu zvakavanda, zvinhu zvakaipa
Verse 5
Vatadzi vanova nokutya kukuru Vanogodedera pameso'mucheki Vasakarurama vachazoparadzwa Vaiswe munzvimbo yokutambudzika
Verse 6
Regai zvakaipa, mutye mururame Munzwe inzwi raShe, munamate mose Zviteurirei, mutsvake netsitsi Inguva nazvino, Uayi mugamuchire