← All hymns

Hakuna Zita SeraJesu

Hymn 40 ยท Praise

Verse 1

Hakuna zita sera Jesu Kana nokudenga Hakuna rimwe rakadaro Zita roMuponisi

Chorus

Tinoda kuimbira Jesu Tichimupa mbiri Nokuti hatizivi zita Rinokunda iri

Verse 2

NdiJesu wakafira vose, Wakatida kwazvo, Zvatanga takaraswa tose Nezvitadzo zvedu

Verse 3

NdiJesu wakaita nyasha Takamukanganwa Wakati, Enda zvako mwana Usazotadzazve

Verse 4

NdiJesu wakatiudzira Kutunhidza Mwari Nokusarura vashamwari Vakanaka chete

Verse 5

NdiJesu wakarapa vanhu Akavavimbisisa; NdiJesu wakadzosa vafi Kune hama dzavo

Verse 6

NdiJesu anoenda nesu Kwose tinoenda NdiJesu anotibatsira Muupenyu hwedu